Colossians 3

Mirayiro yaMararamiro Matsvene

1Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. 2Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. 3Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. 4Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.

5Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. 6Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. 7Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama. 8Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu. 9Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake 10mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake. 11Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.

12Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu. 13Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe. 14Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.

15Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. 16Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. 17Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

Mitemo yavaKristu mudzimba dzavo

18Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.

19Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.

20Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

21Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.

22Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe. 23Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu, 24sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira. 25Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.

Copyright information for SnaBDSC